Tichitedza hedu mugwagwa zvichiita sezvinodaro, ndiye mahwekwe neimwe kombi yakanzi Boss Moyo yakatsikirirwa nevanooona nezvemafambiro muguta.
Pana nzve Leopold na Kwame kombi yaBoss Moyo yanga yakasungwa mbira dzakondo nemapurisa apo yanyura mukakomba kanenge kabhiriji ichangoda kuedza kuti nzvee pamagetsi anomisa motokari.
Ipapo mupurisa wemudhudhu abva ati zenze tuku achinoti tsvriii pamberi paBoss Moyo, nekurudyi vashandidzani vake vanga vari mune umwe muchovha vaburuka vari rutsoka ndibereke vakananga kunosvotora svombonoro nekutandanisa vabereki mukombi.
Ipapo mutyairi nakondakita vabva vaziya kuti pavo pavaperera zveskiri kana humagaivha panga pasisina sezvo vange vanyura havo mugomba.
Tazongoona vabereki vachidzika vachipopota vakanangana nemapurisa vachivaudza zviri kutsi kwemoyo yavo vachidudunura magara moyo, makunu'unu maodza moyo. Zvekuti zvairwadza vasara.
Mashoko ataurwa nevabereki vachidzika muna Boss Moyo anobata-bata zvekuti vange vachiagamuchira vakangotanga kuzvifunga vanobva vachema uye vakangotanga kuchema vanobva vazvifunga. Haaa kana neni ndarwadziwa ndikazvifunga ndotanga kuchema vanhu vari angry kunze uko.
Tazongosiya vagara vese vatarisana tisingaziye hedu kuti zvazopera sei.
Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!