Vanoita nezvemudhebhe nejeno uye rudhende rwevatsigiri vake vanomudzaidza kuti Minister of White Linen.
Murume ati ndikasazvitaura ndingaputike neshungu.Shuwa ndinofa nebp apo achireva mabatirwo ehurongwa kune nyaya dzekufamba uchiita seunonyangira muZimbabwe (modeling).
Anoti iye "zvirinani kuona hangu WWE ndichiziya kuti ndikuitiswa zvagara vanhu vekutatsurana vanenge vachiita havo mitambo yekudamburana mbabvu nekurovana zvematsenganzungu vachiti kutamba vachivaraidza nguva, vachiteya havo nzou neriva.
"Izvi zviri nani pane kuona zvekunyangiradahwa muno muZimbabwe (modeling). Uko kwaunobhadhara kunoitiswa hako kunoona zvinhu zvisina maturo," anodaro achipfeka chiuma chake chemuhuro chino chinovaima-vaima segoridhe achipedza otanga kuisa mhete dzemuruoko.
Anoenderera mberi achiti " Chokwadi vamwe vanenge vabva kure vasiya mabasa avo akatsarukana kuuya kuzokwikwidza asi zvinhu zvinenge zvapera kare. Anenge akunda anenge atoripo kare achiita jema newadya,' anoratidza kushungurudzika chaizvo pachiso.
Aenderera mberi achiti dai vachingogara havo vapa korona kumunhu wavanenge vakaronga naye pane kutambisa nguva yevamwe.
Minisita abva ati hazvina kunyatsonaka kutambisirwa nguva zvakadai, zvirinani hake aone zvematsenganzungu mahara.
Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!