Anofungidzirwa kuti muporofita wekuGhana akaudza vatendi vake kuti vavake ngarava sezvo mvura zhinji ine dutu yaizenge ichauya kuzotora vatsvene nevakarurama musi wa25 Zvita.
Vatendi vakaita bata wabata nebishi kutenda shoko vakaunganidza nekugovera pfuma yavo pasina kumbunyikidzwa.
https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20
Mvura yaNoah vakange vaiparidzirwa zvekuti kokora, kosolo nehuku hakuna aiona achizvidya musi uyu. Vakange vatenda kuti magumo atosvika.
Ebo Noah akaudza vatendi kuti vavake ngarava sere achiti havaisvika musi wekisimusi mvura iyi isati yasvika.
Zvino hakuna musi usingasvike zuro akati asvika 25/12. VaEbo vakati vakange vataura nemakurukota ematare edenga kuti chiitiko ichi chimiswe zvisisina anoziya kuti chichaitika rinhi.
Vachapedza mharidzo yavo vakenda havo vakanorikita mari yevana vesangano vachitenga havo mutsikazvinyoro-nyoro chidya mafuta chisingakore chebango 'mercedes benz'.
Hino vatendi vangosara vakashama vamwe vakange vakatuka ana muzvinaimba pamba pavaigara vachiti vachanokumbira ruregerero kudenga vakushaya pekutangira nekuti yerendi ikutonyatsodiwa.

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!