Bhekie Bhekie
Bamkuru, Maiguru mai Jeremaya vati ndikasazvireva ndingaputike neshungu.
Thandaza, rinove zita ravarikushandisa ranetsa mazuva maviri matatu apera neanoenderera anoti arikumbunyikidzwa namaiguru venyika hupenyu hupenyu hausikunyatsogarika.
Arikubuda pamasaisai achiti maiguru venyika vamuonesa chitsvuku. Ari kuti iye atambura nesungawirirano yake namaiguru.
Kunyangwe achema kudaro vanhu vanoti hatichaziye kuti ichokwadi here kana kuti avewo mabasa avo emaoko ekuwana vanovatera.
Vazhinji vari kuti unenge mutambo kana kuti inyambo sezvo Bamkuru Maiguru mai Jeremaya vakambozviita futi vanhu vakati kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.
Vakazoona kuti aiita zvake nyambo. Ikozvino vadzoka zvekare nenyaya yavo yekubatwa hunhapwa. Apa hapasisina akuvaterera.
Vanhu vakungoti wakadya izvozvo, chakatanga ndochakachenjedza.
Hatinawo umbowo asi tongoti kana zvirikuitika mumba mavo ngazvimirwe kana vanga vachifungidzira kufunga kuzviita ngavabva vazvisiya.
Pamwe varikuda havo kubuditsawo chenjedzo sezvo tiri mu mazuva makumi nematanhatu ekurwisana nekupa chenjedzo maringe nekushushana mudzimba uye kumbunyikidzana
#purpleandorangešš§”

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!